Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 16, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anoshandisa mutemo wePublic Order and Security Act mukutadzisa MDC kuti ienderere mberi nekuratidzira kwayo, izvo zviri kupikiswa nehutungamiri hweMDC uhwo hwazopedzisira hwavazivisa veruzhinji kuti vagare kudzimba dzavo.

Guta reHarare rinoswera risina kugadzikana mapurisa achiti asunga vanhu makumi masere nevatatu vange vachiita mhirizhonga muHarare nenzvimbo dzakapoteredza guta iri.

Vanhu vakawanda vanokuvara muHarare mushure mekurohwa nemapurisa ayo anga singadi kuona vanhu muguta iri.

United Nations yoshora kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe, pamwe nekumbunyikidzwa kuri kuitwa veruzhinji ari vari kupambwa muZimbabwe

Ishe Felix Ndiweni vomirira kupihwa mutongo nedare remuBulawayo zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva yekuparadza zvinhu kuNtabazinduma makore maviri apfuura.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutaura pamusoro pekuratidzira kweMDC uko kusina kuzoenderera mberi zvichitevera danho rakatorwa nemapurisa emuHarare nezuro manheru, pamwe nekurohwa kwaitwa vanhu muHarare nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG