Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 09, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Sangano reAfrican Diaspora Forum rinoti riri kuronga kuendesa hurumende yeSouth Africa zvichitevera danho rakatorwa nehurumende iyi rekusunga zvizvarwa zvisiri zvenyika iyi, izvo zvinosanganisira zveZimbabwe, richiti South Africa haina kutevedza zvinodiwa pamutemo.

Munyori aive nemukumbira munyaya dzemitambo, VaStephen Chifunyisa, vanoradzikwa muHarare zvichitevera kushaya kwavo nemusi weMuvhuro vava nemakore makumi manomwe.

Nhengo nhatu dze Mthwakazi Republic Party dzakasungirwa mhirizhonga muguta reBulawayo dzinowanikwa dziine mhosva iyi ndokubvisiswa mazana maviri emadhora pamunhu sefaindi, kana kugara mujeri kwemazuva makumi matatu.

Mhengo dzemapato matatu anoti MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Zanu PF neNational Constitutional Assembly, dzinonyoresa kuitira kuti dzizokwikwidza musarudzo yeZaka East parliamentary by election.

Mitambo yenhabvu yotsviriridza mukupera kwesvondo zvichaona chikwata chitsva chichienda pamusoro petafura ye Castle Lager Premier Soccer League

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG