Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 06, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 06, 2018.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 06, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari kutungamira chikwata cheEuropean Union chiri kuongorora sarudzo, VaAlmar Brok, vanoti kuita sarudzo dzakachena kunobatsira Zimbabwe pachirongwa chayo chekugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi.

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoita musangano wekutsvaga rutsigiro mudunhu reMidlands.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoendererawo mberi vachitsvaga rutsigiro mudunhu reMidlands

Vanhu vogara vakabatira hura mumaoko kuGokwe mudunhu reMidlands uko vanoti vari kutyityidzirwa nenhengo dzeZanu PF vachinzi danda mugotsi kana vakasavhotera Zanu PF musarudzo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitika munyaya dzekutsvaga rutsigiro, zvikuru kumaruwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG