Vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanoita musangano nevezvematongerwo enyika izvo zviri kuonekwa nevakawanda sekutanga kwenhaurirano munyika sezvakamboitika muna 2008 izvo zvakazopa kuti munyika muite hurumende yemubatanidzwa asi VaRobert Mugabe, avo vakashaya muna Gunyana, vachiramba vari mutungamiri wenyika kunyange hazvo vakange vakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika naVaMorgan Tsvangirai ve MDC.
Vagari vekwaMutoko voronga kuti varipwe kushungurudzwa kwavakaitwa muna 2008. Pfungwa idzi dzaburitswa pachena apo vagari ava vasangana nekomisheni inoona nezverunyararo, yeNational Peace and Reconciliation Commission.
Nyaya yemari yemusvo yonetsa munyika zvimwe zvitoro zvichiramba kutambira mari iyi izvo zvopa kuti hurumende iite humwe hurongwa hwekudhinda imwe mari yebepa.
Chizvarwa cheZimbabwe chakapisirwa murhori yachaidhiraivha munguva yemhirizhonga yemarudzi muSouth Africa chinofa mushure mekurwara kwenguva yakareba.
Zvinhu zvoramba zvichiipa muzvipatara zvehurumende umo vakawanda vari kushaya rubatsiro nepamusana pekushaya nyanzvi dzinovabatsira muzvipatara izvi.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevadzidzi muzvikoro munyika panguva iyo vadzidzi vakawanda vari kukundikana kubudirira mubvunzo dzavanonyora.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum