Mapurisa anoshandisa zvakare mutemo wePublic Order and Security Act mukutadzisa bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuti rienderere mberi nekuratidzira kwaro, muguta reGweru. Aka kava kechitatu mapurisa achitadzisa bato iri kuratidzira kutanga nemuHarare Chishanu chapfuura, uye nezuro muguta reBulawayo.
Nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nezvematongerwo enyika dzozeya zvinoreva kutadziswa kuri kuitwa MDC kuratidzira uye zvingaitwe munyika kuitira kuti pave nekuremekedzwa kwemitemo pamwe nekodzero dzevanhu munyika yose.
Masangano epasi rose pamwe nenyika dzakabudirira dzinosanganisira nyika dziri muEuropean Union dzokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu ukuwo Zimbabwe ichiti kodzero hadzifanirwe kunge dzichityorawo kodzero dzevamwe izvo zviri kupa kuti irambidze kuratidzira kuri kurongwa neMDC.
Mutori wenhau akaita mukurumbira munyika, Godfrey Majonga, ashaya
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kumbunyikidzwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika, zvikuru takatarisa vechidiki.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum