Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 13, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanorumbidza mauto avo vachiti ari kuita basa rakakosha zvikuru mukuona kuti munyika magara muine runyararo. VaMnangagwa vakurudzirawo veruzhinji kuti vasaite zvemhirizhonga kana kuita zvinhu zvinokonzera kusagadzikana munyika.

Nhengo yeZanu PF kuMashonaland West, VaPheneas Makumbe, vanobviswa patafura inogara vakuru vakuru apo vanhu vanga vari pahurongwa hwekucherechedza Zimbabwe Defense Forces Day.

Studio7 inotarisa huwandu hwevanhu vafa mutsaona dzemumigwagwa munguva yezororo re Magamba uye kuti tsaona idzi dzingadzivirirwa seyi.

Zvinhu zvoramba zvichinetsa munyaya dzehupfumi kunyange hazvo gore rava kuda kukwana kubva patorwa mhiko nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vose vachiti vachagadzirisa hupfumi hwenyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutaura pamusoro pekuratidzira kwakarongwa neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, uko kuchaitwa nemusi weChishanu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG