Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 06, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yekumbira kusangano reWorld Food Program rubatsiro rwechikafu chekupa vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu vakatarisana nenzara, uye vachange vasina chikafu kusvika munguva yekukohwa gore rinouya.

Vanhu vakawanda munyika vogunun’una nehuori huri kuNational Social Security Authority, NSSA, uhwo hwakasungisa gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira.

Kushaikwa kwemagetsi kwoomera vakawanda munyika vana vechikoro vachienda kuchikoro vasina kudya kunopisa mangwanani.

Munyori wemabhuku ane mukurumbira, VaStephen Chifunyise, vanoshaya vava nemakore makumi manomwe ekuberekwa.

Dare remakurukota rozeya mamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo vanhu vakawanda pamwe nevemabhizinesi vava kuramba kutambira mari dzemaRTGS sezvakamboitika mumakore a 2007 ne 2008.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kune vechidiki munyika munyaya dzehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG