Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 28, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 28, 2018.

Vamwe vashandi vanotyirwa kuti vafa kuGrain Marketing Boarrd yepa Lions Den zvichitevera kutsva kwaitika pamuzinda wechibage uyu nhasi masikati…

Veruzhinji votarisira kudare remakurukota richadomwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera kutoreswa kwavo mhiko neSvondo.

Mutungamiri weBritain, Amai Theresa May, vanonyenyeredza Zimbabwe murwendo rwavo kunyika nhatu dzemuAfrica dzinosanganisira South Africa.

Masabhuku nevagari vemunharaunda yaIshe Charumbira kuMasvingo voratidzira kusafara kwavo nehurongwa hwehurumende hwekuda kugadza Ishe Bere vachiti munhu ari kuda kutora nzvimbo yenhaka yavo yavakasiirwa nemadziteteguru avo.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoita musangano negurukota rezvehupfumi kuGermany, Zimbabwe ichiti iri munzira yekugadzirisa hukama hwayo nenyika dzekumavirira.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi uye zvingaitwe kuitira kuti Zimbabwe ifambire mberi.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutaura nevamiriri veparamende vechidiki vamirira kugadzwa zviri pamutemo kuitira kuti vachitanga basa ravo….

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG