Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 17, 2018


Misoro yeNhau

Mutungamiriri webato rinopikisa reAlliance for People’s Agenda, Doctor Nkosana Moyo, vanoyambira vatsigiri vebato ravo kuti vasarudze vatungamiri vanokwanisa kuita zvido zvevanhu, uye vanozivikanwa nekugona kuita basa.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaGastaff Kativu, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kusungwa votongwa nedare rinotonga mhosva dzinoparwa pasi rose reInternational Criminal Court, sezvo vakapara mhosva dzakawanda dzakavhiringa hupenyu hwevanhu vakawanda munyika.

Sangano reHeal Zimbabwe roshushikana nemashoko aIshe Fortune Charumbira avo vakabuda pachena kuti vanotsigira bato reZanu PF izvo sangano iri rinoti zvinozoita kuti vanhu vari pasi pemadzishe vasasununguke munyaya dzematongerwo enyika.

Vagari vekuMasvingo vononokerwa nemibatanidzwa yemapato iyo vanoti haisati yatanga kupinda muvanhu ichivaudza kuti zvinhu zvichafamba seyi musarudzo dzichaitwa munyika.

Sangano reZimbabwe Elections Support Network roita mangwana hurongwa hwekuzeya nyaya dzesarudzo muchirongwa chinenge chichikokerwa nemutori wenhau, Violet Gonda.

Hurumende yosangana nevemaindasitiri ichivakurudzira kuti vasakwidze mitengo yezvinhu, iyo inonzi neveruzhinji kukwira kwayo kwava kuita chamuramba mhuru.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa kodzero dzekuvhota dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG