Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 19, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu makumi matanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana manomwe nenmakumi manomwe nevatatu, kana kuti 773.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakafa vakawanda pamwe nekubatwa nechirwere ichi nezuro.

Vanhu vanotengesa mumigwagwa vanoti dai hurumende yavacheukawo panguva ino yekuvharwa kwenyika.

Hurumende yoyambira vanhu vagere kuzasi kwedhamu reTokwe Mukosi kuti vagadzirire kutama munzvimbo idzi sezvo pari kutarisirwa mafashamu emvura kana dhamu iri razarisa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzoyambira hurumende kuti isadhinde mari yakawandisa sezvo zvichizopa kuti dhora remunyika rishaye simba zvakanyanya.

Vakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vogadzwa semutungamiri wechimakumi mana nenhanhatu, kana kuti 46, mangwana Chitatu nenguva dza 12 masikati emuno, paine kuchengetedzwa kwakasimba sezvo paine kutyira kuti vanhu vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vangangoda kuvhiringidza hurongwa uhu

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG