Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 03, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mhirizhonga yoramba ichiitika muSouth Africa umo muri kurwiswa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Madhokotera emumuzvipatara zvehurumende zvinoti Mpilo, Bulawayo United, Harare, Chitungwiza, neParirenyatwa anotadza kuenda kubasa achiti haana mari dzekuendesa kubasa sezvo zvinhu zvakawanda zvakwira mitengo izvo zviri kupedza mari dzavo dzemihoro.

Kanzuru yeMutare inokwidza mari dzinobhadharwa nevagari muguta iri zvikuru mari dzekurapwa muzvipatara zvekanzuru yeguta iri, mari dzekupaka dzimotokari muguta, nezvimwe.

Masangano ari pasi peNational Transitional Justice Working Group anoti ari kushushikana zvikuru nezviri kuitwa nesangano reNational Peace and Reconciliation Commission panyaya dzevanhu vari kupambwa nekutyorerwa konzero dzavo sangano iri pasina zvariri kuita.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kusagadzikana kuri muSouth Africa zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvisiri zvemunyika iyi..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG