Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 05, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 05, 2018.

MDC Alliance inofora muHarare ichienda kunopa zvinyunyuto zvayo kuZimbabwe Electoral Commission.

Dzimwe nhengo dzeMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakakundwa kana kurambidzwa kupinda musarudzo dzekutsvaga achamirira bato iri dzinoti dzava kupinda musarudzo dzakazvimirira sezvakaitwa nemumiriri weHarare West, Muzvare Jessie Majome.

Komisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, inoita hurongwa hwekuzivisa vari kuda kukwikwidza musarudzo zvavanofanirwa kuita kuti vanyorese mazita avo.

America inodoma mumiriri wayo mutsva muZimbabwe, Va Brian Nichols, avo vari kutora basa rakasiyiwa naAmbassador Harry Thomas Junior.

Hurumende inoti nyika yakwanisa kukwezva mabhizinesi achadyara mari inoita mabhiriyoni gumi nematanhatu emadhora, izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzehupfumi mutoro mukuru kuti izvi zviitike.

Muchirongwa cheConnection na8pm, tiri kutarisa kuratidzirwa kwaitwa neMDC Alliance muHarare nhasi

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 05, 2018.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG