Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 22, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanorwira kodzero dzevanhu voshushikana zvichitevera kupambwa nekutochwa kuri kuitwa vanhu vanofungidzirwa kuti vanopikisa hurumende, pamwe nevarwira kodzero dzevanhu asi pasina anosungwa nemapurisa. Nezuro manheru, Samantha Kureya, uyo anozivikanwa nerekuti “Gonyeti” akapambwa nevanhu vaive nepfuti ndokurohwa zvakaipisisa pamwe nekumanikidzwa kunwa suweji.

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti riri kushushikana zvikuru nekugumurwa kuri kuitwa vashandi pamabasa avo asi vasingapihwe mari dzemudyandigere.

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti mangwana richaungana pamahofisi egurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, richichema nekuparara kwaita mari dzinotambiriswa varairidzi.

Komiti yeparamende inoona nezvemigodhi yonzwa zvichemo zvevanhu vanoita basa rekuchera zvicherwa kuMashonaland West

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa kupambwa kuri kuitwa vanhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 22, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG