Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 15, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nekusachengetedzwa kwekodzero dzevanhu zvichitevera kupambwa kunonzi kwakaitwa vanhu vatanhatu pamberi pekuratidzira kuri kuda kuitwa mangwana neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Zimbabwe Republic Police nhasi yapinza mapurisa ane zvombo zvehondo mumigwagwa muHarare nenzvimbo dzakatenderedza guta guru renyika bato guru rinopikisa reMDC richiti harizi kuzodzekora kumashure nehurongwa hwaro hwekuratidzira mangwana. Ukuwo vechidiki mubato riri kutonga reZanu PF vanoti havasi kuzobvumidza mhirizhonga pakuratidzira kwemangwana uye vaudza nhengo dzavo kuti dzigare dzakagadzirira kuzvidzivirira kana pakaita mhirizhonga.

Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ropesana neZanu PF pahurongwa hwekuratidzira mangwana MDC ichiti ikodzero dzayo kuratidzira, ukuwo Zanu PF ichiti haisi kuzopeta maoko kana kuratidzira uku kukaita mhirizhonga.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hadzina kufara nekupasiswa kwakaitwa bhiri reMaintenance of Peace and Order Bill nedare reSenate nezuro zvava kureva kuti ramirira kuti richisainwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuitira kuti richive mutemo

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutaura pamusoro pekuratidzira kwakarongwa neMDC takatarisa pamire vanhukadzu pahurongwa uhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG