Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 08, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zvisineyi nekusungiswa kwakaitwa gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, neZimbabwe Anti Corruption Commission mwedzi wapera, vanhu vakawanda munyika vanoti komisheni iyi haina zvikwanisiro zvekuti irwise huori hwatekeshera nenyika yose.

Chirongwa chekurangarira mabasa aiitwa nemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika muna 2015, VaItai Dzamara, che Itai Dzamara Trust chinoparurwa zvine mutsindo muHarare, sachigaro veItai Dzamara Trust, Bishop Ancelimo Magaya, vachikurudzira hurumende kuti itsvage kune murwiri wekodzero dzevanhu uyu.

Vanhu vakawanda munyika, kusanganisira vari munyaya dzematongerwo enyika, vanonzi vakakwereta mamiriyoni emadhora akawanda kubhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, asi vanhu ava vachitadza kubhadhara zvikwereti izvi.

Apo nyika yatarisana nezororo remagamba, vaive varwiri vehondo yerusununguko vanoti havasi kubatwa nenzira inokodzera kubata nayo vanhu vakaunza rusununguko rwenyika.

Mutambi wetsiva ane mukurumbira, Charles Manyuchi, owana mukana wekurwira mukombe unoverengwa pasi rese weWorld Boxing Federation

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG