Vanhu makumi matatu nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana mashanu nemakumi masere nevapfumbamwe.
Apo nyika dzakawanda dzave mubishi rekutenga mishonga yenhomba yekudzivirira kubatwa neCovid-19, Zimbabwe haisati yatora danho rekuti ichatanga kushandisa riini nhomba iyi.
Dare ramajesitireti rinonyima mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Muzvinafundo ane mukurumbira pasi rose, Professor Munashe Furusa, avo vakashaya nezuro, votarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kuMberengwa mangwana
Nyanzvi dzemutemo dzozeya zvinoreva mutemo uri kushandiswa nehurumende kutonga VaJob Sikhala, Hopewell Chin’ono naMuzvare Fadzai Mahere, uyo unonzi nevamwe wakaraswa nedare reSupreme Court muna 2014.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum