Accessibility links

Breaking News

Misika yeFodya Yovhurwa Varimi Vachichema neMutengo


VaMohadi naVaMatibiri
VaMohadi naVaMatibiri

Misika yefodya yavhura nhasi mitengo iri pasi izvo zvisina kufadza varimi vakawanda avo vazivisa kuti vave kumbomira kutengesa fodya yavo kudzamara mitengo yasvika pari nani.

Mwaka wekutengesa fodya waparurwa nhasi nemumwe mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi pamusika weTobacco Sales Floor, apo mutengo wepamusoro wange uri madhora mana nemasenzi makumi mashanu pakirogiramu mutengo wepasi uri pamasenzi makumi maviri pakirogiramu.

Mitengo iyi haina kufadza varimi vakawanda avo vati kana mitengo iyi ikasawedzera varimi vakawanda vanogona kutadza kurima fodya.

VaCosta Kapudza vekuMvurwi, vaudza Studio 7 kuti mitengo yanhasi inoita kuti varege kurima fodya zvachose. VaKapfudza vanoti vambomira kutengesa fodya yavo uye vave kunoitengesa pamukoto.

Vamwewo vasina kufara nemitengo yefodya ndiIshe Musarurwa vekuMashonaland East avo vati vambomirawo kutengesa fodya yavo.

Varimi havasi kufarawo nenyaya yekuti kunyange hazvo fodya yavo ichitengeswa kunze kwenyika ivo havasi kuzoiphwa mari yavo yese ari madhora ekuAmerica.

Pasi pechibvumirano chakaitwa neReserve Bank of Zimbabwe nekambani yeTobacco Industries Marketing Board, varimi vachipihwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemari yavanenge vatengesa ari maRTGS uye zvimwe zvikamu makumi mashanu zviri madhora ekuAmerica.

Asi varimi vakaita saAmai Margret Dhambeni vaudza Studio 7 kuti vanoda mari yavo yese ari madhora ekuAmerica.

Vatiwo vakatenga zvekurimisa vachishandisa mari yekunze uye nekudaro vanoda kubhadharwawo nemari yekunze.

VaKapfudza vati vanotsigira vamwe vavo vari kuti vapihwe mari yavo yese ari madhora ekuAmerica sezvo iri iyo yavakashandisa kutenga zvekurimisa.

Sachigaro weTIMB, Amai Monica Chinamasa, vati mitengo yakaderera sezvo vanotenga fodya kana kuti maTobacco Merchants vari kuchajwa mutero we Intermediated Transaction Tax wezvikamu zviviri kubva muzana apo vanotenga fodya nekubhadhara varimi.

Vati pane nhaurirano dziri kuitwa pakati pavo, nevatongesa fodya nehurumende dzekugadzirisa nyaya iyi uye vanoona sekuti izvi zvinogona kupedza dambudziko remitengo iri pasi iri.

Amai Chinamasa vazivisa kuti mwaka uno wange wakaoma chose sezvo kwakapisa zvakanyanya uyewo vati vamwe varimi kuManicaland vakaparadzirwa fodya yavo nedutumupengo Cyclone Idai.

Vati kusvika parizvino havasati vave kuziva kuti ifodya yakawanda zvakadii yakaparadzwa nedutumupengo Idai.

Zimbabwe inotarisirwa kutengesa mamiriyoni mazana maviri nemakumi mana (240million kgs) emakirogiramu efodya inove fodya shoma pane yakatengeswa mwaka wapfuura.

Gore rapfuura Zimbabwe yakatengesa mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu nemaviri emakirogiramu (252million) efodya ikawana mari ingangosvika bhiriyoni remadhora ekuAmerica.

Vachivhura misika yefodya zviri pamutemo, VaMohadi vati hurumende yavo inotsigira varimi vefodya uye vati inoda kuti varimi ava vabatwe zvakanaka sezvo fodya ichipinza mari yekunze yakawanda munyika.

Pane misika mitatu yefodya munyika inoti Tobacco Sales Floor, Boka nePremier uye misika yese iyi iri muHarare.

Kunze kwezvicherwa zvakabatanidzwa, fodya ndiyo inopinza mari yekunze yakawanda kudarika zvimwe zvose muZimbabwe.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG