Accessibility links

Breaking News

Misha zviuru zvitatu dzemuHarare yave nemazuva matatu isina mvura


Misha zviuru zvitatu muzvimbo dzeku Kuwadzana Extension nekuCranborne muHarare yave nemazuva matatu isina mvura, zvichitevera kuvharwa kwakaitwa mvura iyi nekanzuru yeHarare.

Sangano reHarare Residents Trust rinoti mvura yakavharwa sezvo vagari ava vasina kubhadara mari dzemvura. Kanzuru inonzi iri kuita zvekufungidzira pamari inobhadharwa nevagari kana vachinge vashandisa mvura asi sangano iri rinoti riri kukurudzira vagari kuti vabhadhare madhora gumi nemashanu chete, apo vakamirira kunzwa zvichabva kumatare edzimhosva, zvichitevera kuendeswa kwakaitwa nyaya iyi kumatare vagari vechipikisa bhajeti rekanzuru regore rino.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru panyaya iyi. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro na Co-ordinator weHarare Residents Trust, Va Precious Shumba, kuti tinzwe zviri kuitika…

XS
SM
MD
LG