Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voparura Musangano wekuKwezva veMabhizimisi muHarare


President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemakurukota avo ehurumende nhasi vari kuparura musangano nevemabhizimisi vekunze nemunyika vanoda kutanga mabhizimisi munyika.

Vamwe vanyarikani vari kutarisirwa pamusangano uyu vanosanganisa mukuru mubazi rezvekudyidzana nekutengeserana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeBritain kana kuti Trade Commissioner for Africa, Amai Emma Wade-Smith.

Musangano wemazuva matatu uyu wakarongwa neveInvest Africa, kambani inoita zvekudyarwa kwemari munyaya dzemabhizimisi. Vamwe vevari kutarisirwa kupinda mumisangano iyi vane chekuita nezvehupfumi kubva kuBritain, America, Switzerland neSouth Africa vari kutsvaga kwavangadyare mari dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze vanoti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vainge vakarimirana kumuganhu nevekunze zvekuti kuda kuumbiridza hukama kunotora nguva. Vati uyu mutoro mukuru kuhurumende yaVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG