Accessibility links

Breaking News

Bhiri reCybersecurity And Data Protection Rinodzorerwa kuDare reSeneti


VaGolden Maunganidze
VaGolden Maunganidze

Bhiri remitemo yepamasaisai kana kuti Cybersecurity and Data Protection rakadzorerwa kudare reSeneti zvichinzi pane zvimwe zvakakanganisiwa zvinofanirwa kugadziriswa.

Mugwaro ravakaendesa kudare reparamende, sangano reMedia Institute of Southern Africa, Zimbabwe (MISA Zimbabwe) riri kurudzirawo kuti bhiri iri ripatsanurwe muzvikamu zvitatu, zve’Cyber Security’, ‘Electronic Transactions’, ne‘Data Protection’. Sangano iri rinoti r bhiri iri rinobata zvinhu zvakawandisa, zvisingagone kuiswa pasi pebhiri rimwe chete.

MISA Zimbabwe inoda kuti paumbwe bazi rinoona nezvekodzero dzevanhu vanoshandisa dandemutande, kana kuti Internet.

Sachigaro veMISA, Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vanoti pachine kusanzwisisana kukuru pakati pesangano ravo nehurumende nezvebhiri iri.

Hatina kukwanisa kubata munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi ravo.

Asi vaMaunganidze vaudza Studio 7 kuti hurumende haisi kuteerera kana kutambira pfungwa dzayakapiwa nevanhu vazhinji nezvebhiri iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG