Accessibility links

Breaking News

Misa Yokurudzira Kuvhurwa kweNhepfenyuro Dzakazvimirira


Sangano reMisa-Zimbabwe rinoti riri kutanga chirongwa chekukurudzira hurumende kuti ipe nhepfenyuro dzakazvimirira dzoga marezinesi ekushanda kusati kwaitwa sarudzo dzinotevera.

Misa-Zimbabwe inoti ichaparura chirongwa ichi neMugovera kuChitungwiza.

Hurumende yakambenge yavimbisa pakuumbwa kwayo kuti ichapa avo vanoda kutepfenyura marezinesi. Asi izvi hazvisati zvaitika.

Misa inoti chinangwa chayo ndechekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vaone kuti chibvumirano cheGlobal Political Agreement, chazadziswa kuburikidza nekupa marezenisi kunhepfenyuro dzakazvimirira

Mushandi mukuru kuMisa-Zimbabwe, VaNhlanhla Ngwenya, vanoti hazvina kunaka kuti munyika muve nenhepfenyuro imwe chete.

XS
SM
MD
LG