Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoramba Kutaura neVatori veNhau muWashington


Wafamba Wapota
Wafamba Wapota

Gurukota rezve mari, Va Mthuli Ncube, havana kuda kutaura nevatori venhau, kana kutorwa mavhidhiyo vachitaura, pamusangano wavakaita muWashington neChitatu manheru.

Musangano uyu wakanga wakarongwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muWashington DC zvichida kunzwa kuti zvinhu zviri kufamba seyi kuZimbabwe, pamwe nezvingaitwe mukusimudzira nyika.

Asi vatori venhau vaive pamusangano vakanzi vasatore mavhidhiyo, uye havana kana kuwana mukana wekubvunza VaNcube mibzvunzo.

Vachitaura pamusangano uyu, VaNcube vakati hurumende iri kuedza nepainogona napo kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi vakabvuma kuti izvi zvichatora nguva uye zvichida kusunga dzisimbe sezvo zvinhu zvanga zvagara zvisina kumira zvakanaka munyika kwenguva yakareba.

VaNcube, avo vakadomwa gore rapera nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, segurukota risina nzvimbo muparamende, vakati vanhu vanoda kudyara mari dzavo muZimbabwe vanofanirwa kuita izvi izvozvi sezvo paine mukana wakanaka wekutanga mabhizinesi.

VaNcube vakataurawo pamusoro pekunetsa kuri kuita mari, asi vakati hurumende iri kutora matanho ekugadzirisa dambudziko iri.

Vari muWashington, VaNcube vanonzi vakasangana neChipiri nevakuru veInternational Monetary Fund, kusanganisira mukuru wesangano iri, Amai Christine Lagarde, pamwe nevakuru veWorld Bank, vachivapira nezvebudiriro yavanoti iri kuitika munyaya dzezvehupfumi muZimbabwe.

Kushanya kwegurukota rezvemari uku kunouya panguva iyo America neMuvhuro svondo rino yakawedzera zvirango negore rimwe chete ichiti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi kuremekedza kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG