Accessibility links

Kanzuru yeHarare Yomanikidza Vanhu Kubhadhara Zvikwereti


Vagari vemuHarare paMusangano

Kanzuru yeHarare inoti vagari vemuguta iri pamwe nemakambani vane chikwereti chinosvika mamirioni mazana manomwe emadhora uye mari iyi iri kuida nekukurumidza sezvo vave kunetseka kuita mabasa anofanira kuitirwa vagari vemuguta iri.

Svondo rino, kanzuru iri kuronga kuvhara mvura mudzimba nemumakambani mazhinji senzira yokumanikidza kuti vanhu vabhadhare mari kukanzuru.

Kanzuru yakatanga kubudisa mumapepa nhau mazita eavo vane zvikwereti kwairi iri yeimwe nzira yokumanikidza kuti vanhu vabhadhare kanzuru mari yayo.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, Va Micheal Chideme, vakaudza Studio7 kuti kubudisa kwavakaita mumapepa mazita eavo vanezvikwereti navo kuri kubatsira zvikuru sezvo vanhu vazhinji vakatotanga kuuya kuzobhadhara mari idzi kukanzuru apo mazita avo akaburiswa.

VaChideme vanorumbidza kanzuru yavo vachiti vanhu vanogutsikana nemari dzavanobhadhariswa nekanzuru vachiti kanzuru yavo inoitira vagari vayo zvakawanda nemutengo wakadzika.

“Vagari vazhinji varikufara nebasa ratinoita sekanzuru uye nemari yavanobisa,” VaChideme vakaudza Studio7.

“Avo vanogununguna havasi vana saimba asi vanhu vasina dzimba pachavo. Vanedzimba vanofara nebasa ratirikuita uye nemari yatinotora kwavari kuvaitira zvese izvi.”

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG