Accessibility links

Breaking News

Madzimai Matatu eMDC Achiri Kurapwa Akachengetedzwa neMapurisa


TORTURED MDC ACTIVISTS

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti riri kutarisira zvikuru kuti nyanzvi dziri kurapa vechidiki vatatu veMDC vanoti vakapambwa vakatochwa vari mumaoko emapurisa, dzichaita basa radzo nemazvo.

Vatatu ava, Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vari kurapwa vari muchipatara chemuHarare zvichitevera kutochwa zvakaipisisa kwavanoti vakaitwa mushure mekupambwa.

TORTURED MDC ACTIVISTS
TORTURED MDC ACTIVISTS

Vatatu ava, avo vari muchipatara vakachengetedzwa nemapurisa, vanoti vakapambwa musi wa 13 Chivabvu vakazowanikwa vakakuvara zvakaipisisa vari kuBindura musi wa 15 Chivabvu.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vakambobvuma musi wapambwa vatatu ava kuti vainge vasungwa zvichitevera kuratidzira kwavakaita vachityora mutemo weCovid-19.

Asi mapurisa akazodudza oti akange asingazivi kuti chii chainge chaitika kuvatatu ava uye vakange vasiri mumaoko emapurisa.

Kunyange hazvo nhengo dzeMDC dziri kurapwa, vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vatatu ava havasati vaonekwa nenyanzvi munyaya dzezvirwere zvepfungwa idzo dzinokwanisa kunyatsoongorora kuti kutochwa kwakaitwa madzimai matatu aya kwakashata zvakadii.

Pane kutyirwawo kuti muZimbabwe hamuna nyanzvi dzizere dzinokwanisa kupa rubatsiro kumadzimai aya kuti asarambe achishungurudzika mupfungwa kubudikidza nezvavakaitwa apo vakapambwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumumwe wevana chiremba vari kuona vatatu, Dr Norman Matara veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti vakamirira kunzwa zvichikurudzirwa navana chiremba vavari kushanda navo kuitira kuti vatore matanho akakodzera kuvarwere ava.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights ndiro rine magweta ari kumirira madzimai matatu eMDC aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG