Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinotadza Kuita Musangano Wadzo paMorgan Richard Tsvangirai House


 Harvest House- Morgan Tsvangirai House
Harvest House- Morgan Tsvangirai House

Nhengo dzeMDC dzinoti dzatadza kuita musangano pamuzinda wadzo weMorgan Richard Tsvangirai uyo wakatorwa neMuvhuro nevechidiki vebatori iri vachiti vanoda kuti vatungamiriri veMDC Alliance ne MDC T vataurirane.

Vachitaura nevamwe vatsigiri vebato iri vanga vauya pamuzinda uyu, vaive sachigaro veHarare Province kubva mugore ra2014, VaEric Murai, vati varambidzwa nemapurisa kuita musangano wavo paMorgan Richard Tsvangirai House.

VaMurai vatsigirawo mashoko akataurwa neMuvhuro nevechidiki kuti donzvo ravo rave rekuda kubatanidza bato reMDC kuti rive bato rimwe chete.

Izvi zvinbotevera makakatanwa aripo pakati paMuzvare Thokozani Khupe vakamirira chikwata chiri kuzviti MDC-T, naVaNelson Chamisa, vakamirirawo chikwata chiri kuzviti MDC Alliance.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatyzwayo, vati ivo vakatopedza nyaya dzehutungamiriri hwebato ravo sezvo vaine hutungamiri hwakasarudzwa pakongiresi yakaitwa kuGweru muna 2018.

Hatina kukwanisa kutaura nehutungamiri hweMDC T kuti tinzwe kana huchaendawo kumusangano uri kudeedzerwa uyu sezvo munyori mukuru mubato, VaDouglas Mwonzora, vange vasiri kubatika panharembozva yavo sezvo vanzi vanga vari mumusangano.

Hazvina kujeka kuti VaMwonzora vanga vachiitira musangano wavo kupi.

Mashoko atiri kutambira anoti mapurisa akaungana paMorgan Richard Tsvangirai House.

Asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati havana ruzivo rwekurambidzwa kwemusangano wenhengo dzeMDC T dzakasarudzwa muna 2014.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG