Accessibility links

Breaking News

MDC Yoshora VaMnangagwa neKukurudzira Vanhu Kuti Vadye neMuriwo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa nhasi vazvionera pamhuno sefodya matambudziko akatarisana nevanhu apo vange vachiita chirongwa chavakaparura chekuchenesa nyika kana kuti “National Clean-up Day Campaign” kuKuwadzana muHarare. Chirongwa ichi chakaparurwa gore rapera.

Vanhu vaudzawo VaMnangagwa kuti vanoda kuti mutengo wenyama uderere sezvo vasisikwanise kuitenga asi ivo vati ngavadye muriwo nekuti ndizvo zvinokurudzirwa navanachiremba.

Asi vachipindura mashoko aya, mumiriri weKuwadzana East mudare reparamende vari munyori mukuru weMDC VaCharlton Hwende vati VaMnangagwa vari kuratidza kuti Havana sungawirirano nevanhu.

Mushure mekupedza kuchenesa nzvimbo yeKuwadzana, VaMnangagwa vange vaine mamwe makurukota avo vatanga kutaura nevanhu nezvaitwa nehurumende yavo kuvarerutsira hupenyu asi zvabuda pachena kuti munyika hamuna mufaro.

Mushure mekunge zvabuda pachena kuti mutengo wehupfu hauna kudzika vabva vati vachatora matanho kune vemabhizimi.

Vagari vemumuKuwadzana vachema chemawo kuti havasi kukwanisa kubhadhara mari dzechikoro kunyangwe ivo vati handizvo zvavari kunzwa negurukota ravo.

Zvichemo hazvina kuperera apa sezvo vanhu vatiwo Havana mari. Nyaya yekuti vanhu vari kukundikana kubhadhara mari dzemitero.

VaMnangagwa vatiwo hapana chakaipa nekuparura kwakaita hurumende yavo dhora remuZimbabwe kunyangwe dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuti izvi zvave kukonzera matambudziko zvekare munyika.

Mutungamiri wenyika akurudzirawo vanhu kuti vabatane. VaMnangagwa vakurudzira vanhu kuti vagare vachichenesa nharaunda dzavo.

VaHwende vashorawo kurudziro yekuti vanhu vadye nemuriwo. Kunyangwe veMDC vachiti VaMnangagwa vakabirira sarudzo zvemhando yepamusoro, veZanu-PF vanoti vakakunda zvine mutsindo zvakatsinhirwa nedare repamusoro soro reConstitutional Court.

Kusawirirana kwemapato maviri aya kuti kupa vakawanda kuti vakurudzire kuti pave nemutongi gava anouya kuzogadzirisa mapisha pisha munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG