Accessibility links

Breaking News

MDC Yoita Misangano Yekurangarira VaMorgan Tsvangirai neMugovera


Munyori mukuru weMDC, VaCharlton Hwende
Munyori mukuru weMDC, VaCharlton Hwende

Mukurangarira vaimbove mutungamiri webato reMDC, muchakabvu Morgan Tsvangirai, bato iri rinoti richange richiita misangano mumatunhu ose mangwana, Mugovera.

Munyori mukuru webato iri, VaCharlton Hwende, vaudza Studio 7 kuti vakuru vebato ravo vachaendeswa kumatunhu akasiyana siyana kunotaura nevanhu.

Vatiwo musangano wemu Harare uchaitwa nemusi weChitatu paAmbassador Hotel, apo mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vachange vachitaura pamwe chete nemukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vakamboshanda naVaTsvangirai kuZimbabwe Congress of Trade Unions.

VaHwende vati iyi misangano yekurangarira vaTsvangirai naizvozvo mapurisa haana chikonzero chekunetsana nevanhu vachaunganira.

VaMorgan Tsvangirai vakashaya musi wa 14 Kukadzi, 2018.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG