Mutungamiri weMDC Alliance, Va Nelson Chamisa, vaita musangano nevatsigiri vavo kuRutenga kuMasvingo.
VaChamisa, avo vari kuratidza kufarirwa zvakanyanya munzvimbo dzavari kuita misangano, vaudza vatsigiri vavo kuti kana vakasarudzwa semutungamiri wenyika, vachashanda zvakasimba mukugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.
VaChamisa vati nyika izere nehuori uho vati hunofanirwa kubviswa nehurumende yavachaumba.
VaChamisa vati kunofanirwa kuve nenhepfenyuro dzakasiyana siyana dzinotaura maonero adzo pachena kwete kumira nenhepfenyuro imwechete. Vati nhepfenyuro idzi dzinofanirwa kutepfenyura nemitauro yose pasina rusarura.
VaChamisa vatiwo mashandiro emadzishe nemasabhuku anofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu, uye asingamanikidze vanhu kuita zvematongerwo enyika.
Vati hushe nehusabhuku hunofanira kugadzwa nematunhu agere vanhu kwete kugadzwa nehurumende nekuti inosarudza vanorerekera kudivi ravo.
VaChamisa vachange vari kuChiredzi neSvondo.
Vamwe vevatsigiri vebato ravo reMDC-T kuChiredzi vanoti vacharatidzira pamusangano uchapindwa naVaChamisa sezvo vasiri kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzekutsvaga achamiriri bato mudunhu iri.
Mutevedzeri wemubati wehomwe mu MDC T kuChiredzi west, VaCollins Musakanda, vaudza Studio 7 kuti vari kuda kuratidza kumutungamiri wavo kuti zvinhu hazvina kufambiswa zvakanaka musarudzo dze primary elections.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remukuru anoona nezvesarudzo mu MDC.
Facebook Forum