Accessibility links

Breaking News

MDC Yochema Chema neKusungwa kweNhengo Dzayo


Mutevedzeri wasachigaro weMDC vachimirira Harare East muNational Assembly, VaTendai Biti, nhasi vakumbira mutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, kuti vachengetdza nhengo dzeparamende vachiti nhengo dzedare iri zvikuru sei kubva kubato ravo dziri kusungwa nemapurisa izvo zvave kukanganisa basa radzo pamwe neparamende.

Izvi zvaitika apo mumiriri weKuwadzana East, VaCharlton Hwende, vasungwa apo vapinda munyika kubva kuNambia uko vange vari.

VaBiti vaudza VaMudenda mudare nhasi kuti kubvira muna Nyamavhvhu gore rapfuura kusvika pari zvino, pane nhengo dzebato ravo dzinodarika gumi dzasungwa nemapurisa dzichipomerwa mhosva dzine chekuita nezvesarudzo dzegore rapfuura uye ivo semukuru weparamende vanofanira kuona kuti nhengo dzedare ravo dzakchengetedzwa.

Vatiwo nhengo dzeparamende dziri kusungwa nenzira dzinodzikisira chimiro chadare iri uye vati zvave kukanganisa basa reparamende.

VaBiti vati kunyange hazvo nhengo dzeparamende dzichitadza, panofanira kuve nenzira ine chiremerera yekudzisunga nayo.

Vati semuenziso mapurisa anokwanisa kutaura nevanokokera mapato ane nenhengo muparamende kwete kusungira munhu pamusangano weparamende sezvakaitwa mumiriri weHarare West, Muzvare Joana Mamombe, nemusi weMugovera wapfuura kuNyanga.

VaMudenda vati nhengo dzeparamende hadzisi pamusoro pemutemo asi vati vano bvumirana naVaBiti kuti nhengo idzi dzinofanira kubatwa zvine chiremera kunyange padzinenge dzichipomerwa mhosva.

Asi vati kuti izvi zviitike, mutemo wePriviledges Act unofanira kusandurwa kuti unatsodoma matanho anofanirra kutorwa panosungwa nhengo yeparamende.

VaMudenda vati kunyange vakanzwa kuti pane nhengo yeparamende iri kutsvagwa nemapurisa pari zvino havakwanisi kurambidza mapurisa kusunga nhengo dzeparamende nekuti vanogona kunzi vave kukanganisa basa remapurisa.

Vatiwo Muzvare Mamombe vakasungwa zvine chiremera mushure mekunge vaudza mapurisa pamusangano wavo kuNyanga kuti nyaya dzekungosunga sunga nhengo dzeparamende dzinovhiringa chimiro chenyika apo iri kuedza kunatsurudza hukama hwavo nedzimwe nyika zvekare.

VaHwende vaendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central uye pataenda pamhepo tange tisati taziva kuti vari kupomerwa mhosva yei.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzeMDC Alliance dzakasungwa kubva muna Nyamavhuvhu gore rapfuura dzinosanganisira, VaBiti, Seneta Morgen Komichi, Amos Chibaya, Godfrey Sithole, Lloyd Mkapiko, Livingstone Chimina naVaSettlement Chikwinya.

Mune imwewo nyaya, mumiriri weMangwe muNational Assembly VaObedigwa Mguni veZanuPF vazivisa kuti vanoda kuunza mudare mosheni yekukumbira gurukota rezvetemutemo kuti chikamu chebumbiro remutemo chinopa zvigaro makumi matanhatu kumadzimai pasarudzo chirambe chiri mubumbiro remutemo wenyika. Chikamu ichi chinoguma kushanda muna 2013.

Zvichakadai VaMudenda vazivisa kuti komiti yeStanding Rules and Orders iyo inotungamira basa reparamende ichadoma nhengo itsva dzekomiti yeyezvezvicherwa mushure mekunge yamisa kushanda komiti yaive nekuda kwekupokana kwenhengo dzekomiti iti.

Zvichakadai nhengo inomirira Norton, VaTemba Mliswa nemumiriri weChegutu West, VaDexter Nduna, avo vakapopotedzana komiti yezvezvicherwa isati yamiswa kushanda mwedzi wapfuura vakumbira ruregerero kunhengo dzeparamende vachiti zvavakaita hazvienderane nezvinotarisirwa kunhengo dzeparamende.

Vaviri ava vati vane hurombo nezvavakaita uye VaNduna vatai vakatokumbira rureherero kumutungamiriri wenyika pamusoro penyaya iyi.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG