Accessibility links

Breaking News

MDC Yorwisa Kuti Vasingaoni Vavhote Vachishandisa Braille Musarudzo


Mutungamiri weMDC, Muzvinafundo Welshman Ncube

Bato re MDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, iro riri mumubatanidzwa weMDC Alliance, rashora zvikuru mashoko eZimbabwe Electoral Commission (ZEC) ekuti hazvigoneki kugadzirira vasingaoni nevakaremara zvikwanisiro zvekuti vagone kuvhota pasina vanovabatsira musarudzo dzegore rino.

Bato reMDC rinoti ZEC yaifanirwa kuita zvayakavimbisa zvekuti ichapa vasingaoni mikana yekuzvipindira vega panenge pachiitirwa sarudzo vachishandisa zvinyorwa zve “Braille” uye kuti vasinganzwi nemhetamakumbo vagonewo kuzviitira vega.

Mutauriri webato iri, VaKurauone Chihwayi vanoti kukundikana kuita izvi kutyora kodzero dzavo pachiteverwa mutemo wenyika, uyo unovanosungirwa kuita izvi.

Bato iri rinoti sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba, vakaudza mapepanhau munyika kuti hakuna maitiro avangaite kuti zvido zvevanhu vese izvi zvigone kuzadziswa mumwaka uno, vachiti pamwe zvingatozotarisirwe musarudzo dzichatevera mugore re2023.

VaChihwayi vaudza Studio 7 kuti vacharamba vachirwisa kuti ZEC iite zvainosungirwa kuita.

Vanotiwo mamwe mapato anopikisa ari kuchemerawo zvinhu zvimwechetezvo kuti kuvharwe mikana ingangogone kushandiswa mukubirirwa kwesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG