Accessibility links

Breaking News

MDC yaVaChamisa Inoti VaMnangagwa Havana Kuzvipira paNyaya yeNhaurirano


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Bato raMDC rinoti riri kushushikana zvikuru nekusavimbika kwemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa panyaya yenhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nevana veZimbabwe, uye kuti munyika muve nekugadzikana.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vanoti Hutungamiri hwebato ravo hwakaita musangano wemaawa matanhatu nezuro wekuzeya nezvenyaya yekuti munyika muve nenhaurirano iyi, hwakabuda nezvisungo zvakati kuti, zvinosanganisira kuyeuchidza VaMnangagwa kukosha kwekuti munyika muve nenhaurirano.

Asi VaMafume vanoti bato ravo, sezvaragara richitaura, harisi kuzopinda munhaurirano dzisiri kukokerwa nemuyananisi asina divi raakarerekera, anovimbika, uye achitambirika.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, kanawo mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya kuti tinzwewo pamire VaMnangagwa panyaya yenhaurirano iyi..

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG