Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanowanikwa Vasina Mhosva neDare reDzimosva


Job Sikhala In Masvingo Court

Dare redzimhosva rawana mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vasina mhosva panyaya yavanga vachipomerwa yekuda kupidigura hurumende.

Mutongi wedare repamusoro muMasvingo, VaGarainesu Mawadze, vati VaShikhala havana kupara mhosva pavakati vaida kubvisa mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pachigaro gore ra2023 risati rasvika, nekuti pane nzira dziri pamutemo dzinovabvumidza kudaro.

VaMawadze vatenda zvakare chikumbiro chakaitwa nemagweta aVa Sikhala chekuti varase nyaya iyi, asi nekuda kwekuti VaSikhala vakange vapika mudare kuti havana mhosva, vazopa mutongo wekuti havanawo mhosva yavakapara.

Apo VaMawadze vange vari pakati pekutura mutongo wavo, mapurisa anodzivirira mhirizhonga anga achinetsana nevatsigiri veMDC vanga vari panze pedare iri.

Mapurisa aya akanda zvombo zvehutsi hunokachidza senzura yekuparadza vanhu vanga vakaungana muyadhi yedare redzimhosva.

Pakandwa vombo zvehutsi izvi nemapurisa, zvaputika, hutsi ndokutanga kupinda mudare mange makazara nevanhu izvo zvapa kuti vanhu vakachidzwe pamwe nekubuda misodzi.

VaMawadze vabva vaudza dare kuti vava kumbomira sezvo mudare mange makazara nehutsi hwanga huchikachidza vanhu kusanganisita ivo VaMawadze.

Izvi zvapa kuti dare rose, kusanganisira mutongi, magweta, vatori venhau nevanhu vange vauya kuzonzwa mutongo, vabude panze kwemaminetsi anisvika makumi maviri.

VaMawadze vazoenderera mberi nekupa mutongo wavo mushure mekunge hutsi hwapera mudare iri.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bhamu, vati vari kufara kuti VaSikhala vawanikwa vasina mhosva.

VaSikhala vakasungwa gore rapera vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Dai VaSikhala vawanikwa nemhosva, vaigona kutongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwese.

Iyi yanga iri nyaya yekutanga yakadai kunzwikwa nedare rekuMasvingo.

Mune imwewo nyaya huru yaitika kuMasvingo, zviuru nezviuru zvenhengo dzeMDC zvaungana muguta iri zvichirangarira mutungamiri wekutanga webato iri, muchakabvu Morgan Tsvangirai, avo vakashaya makore maviri apfuura.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaChamisa vaudza vatsigiri vavo kuti vakasiya varairwa naVaTsvangirai kuita rudo, tariro nekuzvipira ndosaka vauya kuzoita mhemberero dzavo kuMasvingo, vachiratidza rudo kuna VaSikhala avo vawanikwa vasina mhosva.

Vachitaurawo pamhemberero dzimwe chete, munyori munyaya dzemitemo muMDC, VaInnocent Gonese, vatiwo nyaya yaVaSikhala yapera zvachose.

VaChamisa vaudza vatsigiri vavo kuti vakaita chisungo chekuratidza rutsigiro kunhengo dzavo dzose dziri kusungwa kumatare edzimhosva ayo avati vachazadza nyika yose.

Vati svondo rinouya vanenge vachitsigira munyori mukuru webato ravo, VaChalton Hwende, kuHarare, avo vari kupomerwawo mhosva imwechete yekuda kupidigura hurumende nechisimba.

VaChamisa vaudza vatsigiri vavo vachiti vacharamba vachishinga kuunza shanduko munyika kuitira kufadza gamba ravo VaTsvangirayi kwavari vakazorora.

Vatizve zvenhaurirano nemutungmiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zviri kuramba nekudaro vave kugadzirira kuita dzimwe nzira dzekusunungura nyika kusanganisira kuratidzira munyika yose.

VaTsvangirai vakashayikira kuSouth Africa makore maviri apfuura mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG