Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC-T Inofa Mushure Mekurohwa muHarare


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti nhengo yaro, VaAlbert Vhiriri, vanova mumwe akabatsira kuumba bato iri, vakapondwa kumba kwavo nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve Zanu-PF.

VaVhiriri vanonzi vakawanikwa vakaitwa kafiramberi mumba mavo kuGlen View neChitatu vakazofa vachangosvika pachipatara cheHarare Central.

MDC inoti zvinoshamisa kuti rufu uru rwauya papera masvondo matatu vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vayedza kuisa musoro pamwe chete kuitira kuti mhirizhonga iri munyika ipere.

MDC inoti zviri pachena kuti zvikwata zvinoita zvemhirizhonga zvakaita sechipangano hazvina kuterera kurudziro yekuti pasaitwe mhirizhonga.

MDC yashorawo sachigaro weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, ichiti mashoko avakataura ekuti kana mutsigiri weZanu-PF akarohwa, anofanirwa kudzorerawo, anokonzerawo mhirizhonga.

Mutauriri wemapurisa, VaAndrew Phiri, vaudza Studio 7 kuti vakangoverenga nezvenyaya iyi, vakati titaure nemumwe wavo, VaOliver Mandipaka, avo vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti nyaya yekuti hapana kana chakabiwa inoratidza kuti mabasa eZanu-PF.

Sachigaro weZanu-PF mudunhu reHarare, VaAmos Midzi, vaudza Studio7 kuti havana chavangataure nezvenyaya iyi.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti havana zvizhinji zvavangataure sezvo vari kuBulawayo.

XS
SM
MD
LG