Accessibility links

Breaking News

VaObert Gutu Vasiya Basa seMutevedzeri waMuzvare Khupe


Obert Gutu
Obert Gutu

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Chaurura Gutu, vasiya basa ravo rezvematongerwo enyika mubato iri.

VaObert Gutu.
VaObert Gutu.

VaGutu, avo vanove gweta rine mukurumbira munyika, vanoti vatora danho rekusiya basa iri pachavo, uye vazivisa bato ravo.

Asi VaGutu havana kuda kutaura zvakawanda pane remangwana ravo vachiti vachange vachishanda zvavo segweta, sezvo riri iro basa ravakadzidzira.

VaGutu vakamira zvakasimba panyaya yekurwira masimba yakaitika muMDC zvichitevera kushaya kwakaita mutungamiri akavamba MDC, muchakabvu Morgan Tsvangirai, musi wa 14 Kukadzi 2018.

VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

VaGutu nevamwe vavo vakati zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai, mutevedzeri wavo akasarudzwa pakongiresi yakaitwa muna 2014, Muzvare Khupe, ndivo vaifanirwa kufanobata matomu kudzamara bato raita kongiresi yechimbi chimbi mukati megore rimwe chete.

Asi izvi hazvina kuitika sezvo mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato panguva iyi, VaNelson Chamisa, avo vakadomwa naVaTsvangirai mushure mekongiresi ya 2014 kuti vave mumwe wevatevedzeri vavo pamwe naVaElias Mudzuri, vakati ndivo vaifanirwa kuramba vari panyanga sezvo vakadomwa kuti vafanobata chigaro panguva iyo VaTsvangirai vairapwa kuSouth Africa.

Chamisa Khupe
Chamisa Khupe

Kudomwa kwaVaChamisa uku kwakasimudza mutauro mukuru muMDC nekunze kwebato iri vamwe vachiramba kutambira mashoko aya vachiti VaTsvangirai vakanga vorwarisa zvakanyanya zvokuti havaikwanisa kunge vakaudza mutauriri wavo, VaLuke Tamborinyoka, kuti vazivise veruzhinji kuti vakanga vadoma VaChamisa kuti vabate matomu kusvika vadzokera kumusha.

Asi VaTamborinyoka vakati vakazivisa nyika zvavakange vaudzwa naVaTsvangirai.

Panguva yakaitika zvose izvi, VaGutu vaive mutauriri weMDC.

Asi vakazosarudzwa kuva mutevedzeri waMuzvare Khupe muna Kubvumbi 2018 zvichitevera kupatsanuka kwakaita MDC.

Thokozani Khupe
Thokozani Khupe

Munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaGutu vakaitwa mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, uye vaive nhengo yedare reSenate vachimirira Chisipite.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Muzvare Khupe nezvekusiya basa kwaVaGutu sezvo vanga vasiri kubatika panherembozha yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG