Accessibility links

Nhengo dze MDC-T Nhatu Dzomiswa Pamberi peDare kuChitungwiza


VaDelma Amos Kaliati Vakarobwa Nevanofungidzirwa Kuve Nhengo dzeZanu-PF.

Gweta riri kumiririra nhengo nhatu dze MDC-T dzakarohwa ku Chitungwiza masvondo maviri akapera, Va Douglas Mwonzora, vanoti vari kupinda mudare neChipiri vachimirira Va Delma Amos Kaliati, Muzvare Clara Panganai, naMuzvare Lucia Ruya.

Nyaya iyi iri kunzwikwa kwaMakoni kuChitungwiza kwakare.

VaMwonzora vanoti VaKaliati vakabudiswa muchipatara nemusi weMugovera.

Vatiwo mupurisa akarumisa VaKaliati neimbwa akanzi auye kudare uko achapomerwa mhosva yemashandisiro aakaita imbwa pana VaKaliati.

VaKaliati, avo vava kurapwa vari pamba pavo, vanoti vave kunzwa zvirinani uye vanoda kukurumidza kunaya kuti vanoita basa rebato ravo semazuva ese.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG