Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti America Ndiyo Iri Pamberi Mukubatsira Zimbabwe Mune Zvakawanda


Humanitarian Aid
Humanitarian Aid

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti inotambira nemafaro zvirango zvakawedzerwa nehurumende yeAmerica pavakuru muhurumende yeZanu PF.

Vachitaura mushure mekuwedzerwa kwezvirango izvi kwerimwe gore kwakaitwa neMuvhuro nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, sachigaro veMDC mudunhu reNorth America, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kuramba ichienderera mberi nekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.

VaRuzvidzo, avo vanogara muColumbus ku Ohio, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti zvirango zviri kutemerwa vanhu vari kutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe, hazvineyi nezviri kutaurwa neZanu PF zvekuti nyika ndiyo yakatemerwa zvirango.

Zanu PF inoti zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa. Hurumende yaVaMangagwa yakatosvitsa chichemo chayo kunyika dzemuAfrica kuti dzibatsire Zimbabwe mukurwisa zvirango zvayinoti zvakatemerwa nyika nenyika dzekumawirira, zvikuru Britain neAmerica.

Asi VaRuzvidzo vanoti zvirango izvi zvinobata vanhu vasiri kuremekedza mutemo, uye vanogara vakambunyikidza kodzero dzevamwe.

VaRuzvidzo vanotiwo America ndiyo nyika iri pamberi kubatsira vanhu vemuZimbabwe munyaya dzechikafu, hutano, dzidzo nezvimwe.

Vanoti pakaiswa chirongwa neUnited Nations chekutsvagira vanhu vemuZimbabwe mari yekutenga chikafu svondo rapera, America ndiyo yakabva yaita nyika yekutanga kuisa mari inoita mamiriyoni gumi nemashanu emadhora.

United Nations iri kuda mari inoita mamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu nemana emadhora yekushandisa mukutenga chikafu.

United Nations pachayo yakatoisa parutivi mamiriyoni gumi emadhora muhomwe yekubatsira vanhu vemuZimbabwe nechikafu.

Vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vari kuda rubatsiro rwechikafu sezvo mvura isina kunyaya zvakanaka munzvimbo dzakawanda muZimbabwe.

Zimbabwe iri kutarisira goho rechibage riri pasi pemiriyoni imwe chete yematani, kubva pamatani miriyoni imwe nemazana masere ezviuru anodiwa kuti vanhu vawane chikafu chinovasvitsa nguva yekukohwa gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG