Accessibility links

Breaking News

MDC yaVaChamisa Inoti Haicheuki Mutsindo weBete Uri Kuitwa naMuzvare Khupe


Muzvare Khupe naVaChamisa
Muzvare Khupe naVaChamisa

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haisi kuzotadza kuita hope nemashoko emutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, ekuti ndivo vava munhu ari panyanga zvichitevera mutongo wakaitwa naAmai Edith Mushore.

Vachipa mutongo wavo svondo rino, Amai Mushore vakati MDC inofanirwa kudzokera payakanga iri muna 2014 apo pakaitwa kongiresi yebato yakaona VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya gore rapera, vachisarudzwa semutungamiri webato, ukuwo Muzvare Khupe vachisarudzwa semutevedzeri waVaTsvangirai.

Vachipindura mashoko aMuzvare Khupe kuvatori venhau, mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vati havasi kutambira mutongo waAmai Mushore, uye havaneyi nezviri kutaurwa naMuzvare Khupe, sezvo vakaenda kunovaka bato ravo.

VaMafume vati chavanoziva ndechekuti VaChamisa vakasarudzwa nevanhu uye vari kuenderera mberi nehurobgwa hwekongiresi yavo ichaitirwa muGweru mwedzi uno.

VaMafume, avo vati vanga vari kuGwanda kuhurongwa hwebato ravo hwekuyedzana pfungwa dzevari kukwikwidzana kukongiresi, vati Muzvare Khupe vanofanirwa kuziva kuti munhu akabuda mubato akaenda kunovamba bato rake nokudaro havasi kuzotambirwa kuMDC inotungamirwa naVaChamisa.

Vachitaura neStudio7, Muzvare Khupe vati vatuma magweta avo kuti atange nhaurirano nemagweta aVaChamisa senzira yekutsvaga kuti mativi maviri aya angafambise seyi nyaya dzekuti vatevedze zvinodiwa nemutemo sezvakaturwa nemutungo waAmai Mushore.

Asi VaMafume vati bato ravo harisi kutambira mutongo waAmai Mushore.

Mutungo waAmai Mushore unouya panguva iyo VaChamisa, avo vakadomwa nematunhu ebato ravo gumi nematatu kuti vakwikwidze chigaro chemutungamiri webato pakongiresi, vari mubishi rekuona kuti kongiresi yavo yaitwa nemazvo.

VaChamisa havana ari kuvakwikwidza pachigaro chemutungamiri webato.

VaMafume, avo vari kukwikwidza chigaro chemutauriri webato pakongiresi, vati havasi kuzocheuka mutsindo webete pane zviri kuitwa naMuzvare Khupe, avo vati vakanga vasiri kuwirirana naVaTsvangirai mumazuva avo ehurwere vasati vashaya.

VaTsvangirai vakashaya muna Kurume gore rapera mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai, mubato iri makaita makakatanwa anotyisa pakati paVaChamisa, VaElias Mudzuri pamwe naMuzvare Khupe, vose vachiti ndivo vanofanirwa kufanobata matomu.

VaChamisa vaimira nerekuti ndivo vakadomwa naVaTsvangirai kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato apo VaTsvangirai vairapwa kuSouth Africa, ukuwo VaMudzuri vachipikisa VaChamisa vachiti hapana mumwe munhu akanga anzi asanobata chigaro chaVaTsvangirai kunze kwavo ivo VaMudzuri, Muzvare Khupe vachitiwo sezvo vari ivo chete vakasarudzwa pakongiresi yakaitwa muna 2014, ndivo vaifanirwa kufanobata matomu.

Mutongo waAmai Mushore unosimbaradza mashoko aMuzvare Khupe, asi VaMafume vanoti Muzvare Khupe vakabuda mubato rakasiyiwa naVaTsvangirai vakanovamba ravo bato, nekudaro havafanirwi kuuya kuzobvongonyodza zvinhu mubato ravakasiya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG