Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoshanyira Zvipatara zveHarare neParirenyatwa


Chamisa At Parirenyatwa

Pakandiranwa makobvu nematete pakati pemutungamiriri weMDC, VaNelson Chamisa, nemukuru weHarare Central Hospital, Dr. Tinashe Dobbie, mushure mekunge VaChamisa nechikwata chavo vashanyira chipatara ichi vachida kuona kutambura kuri kuita varwere sezvo vanachiremba vave nenguva yakareba vasiri kuenda kubasa.

VaChamisa nechikwata change chichisanganisira dzimwe nenhengo dzebato ravo dzemuHarare nevakuru vakuru vebato ravo, vasvika paHarare Central Hospital panguva yekushanyira varwere masikati vakatanga kuona varwere mumaWard pamwe nekuvanamatira.

Asi mushure menguva pfupi pfupi, Dr. Dobbie, vabva vauya muWard yange iina VaChamisa vachiti VaChamisa nechikwata chavo vange vachifanira kutanga vatsvaga mvumo kuhofisi yavo.

VaDobbie vaedza kuburitsa VaChamisa muWard nechisimba asi izvi zvarambwa nevanochengetedza VaChamisa izvo zvazoita kuti VaDobbie vapete muswe ndokurega VaChamisa vachienderera mberi nekuona varwere muma Ward akasiyana siyana pachipatara ichi.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira Harare Central Hospital, VaChamisa vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka pachipatara uye zvinosuwisa kuti mimwe mipanda yechipatara ichi yakatovhrwa sezvo vanhu vasisauye kuchipatara ichi.

Mumwe murwere uyo asina kuda kudomwa nezita audza VaChamisa kuti pave nenguva vasiri kuona vanachiremba uye vari kurapwa nevakoti chete.

Amai Nancy Mukwasi avo vane hama yavo iri muchipatara cheHarare Central vaudza Studio 7 kuti vashamisika kuti VaChamisa vange vave kuda kurambidzwa kushanyira varwere chinove chinhu chinotwa naani nani zvake.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaMasimba Kuchera, vati kunyange hazvo VaChamisa vari mutungamiri webato guru rinopikisa munyika, vane kodzero yekushanya muzvipatara sezvinongoitawo vamwe vagari vemunyika ino.

Pavabva KuHarare Central Hospital, VaChamisa, vazoshanyirawo chipatara cheParirenyatwa uko vaona nekunamatira varwere pasina kuvhiringidzwa.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende uko vana chiremba vese vari kuramwa mabasa vachiti mari dzavatambira hadzichakwani kuti varambe vachienda kubasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG