Accessibility links

Breaking News

VaChibaya Vomirira Mutongo neMuvhuro Vari Muchitokisi


ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya left and MDC-T Organising Sec Amos Chibaya

Dare redzimhosva raramba kutambira chikumbiro chemagweta ari kumirira murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutongi wedare ati achapa mutongo wake pachikumbiro ichi nemusi weMuvhuro zvichitevera kupikiswa kwaitwa nehurumende ichiti VaChibaya vakapihwa mukana, vekuti vatongwe vachibva kumba kwavo, vanogona zvakare kupara mhosva.

VaChibaya, avo vakazvipira kumapurisa nezuro, vachibva vasungwa, vamiswa pamberi pedare ramejasitireti nhasi vachipomerwa mhosva yekutadza kumisa kuratidzira svondo rapera muHarare, uko kwakanga kwarambidzwa nemapurisa.

Asi gweta raVaChibaya, VaObey Shava, vaudza dare kuti VaChibaya vanofanirwa kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso sezvo vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pane imwe mhosva huru yavari kupomerwa yekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo.

Kutaura kuno, VaChibaya vakaisa gwaro ravo rekufambisa mumaoko edare sekutarwa kwazvakaitwa sezvimwe zvezvinhu zvavanofanirwa kuita apo vanenge vakamirira kutongwa pamhosva yavakasungirwa muna Ndira gore rino.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanoti zvaitika kuna VaChibaya munongedzo mukuru kumaitiro ehurumende iri kushandisa chisimba mukutonga kwayo.

Bato reMDC ranga rakaronga kuratidzira mumaguta anoti Harare, Bulawayo, Gweru, Masvingo neMutare, asi mapurisa akarambidza kuti kuratidzira uku kuenderere mberi.

MDC iri kushoropodza hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichiti ndiyo iri kukonzera kuti zvinhu zvishate munyika izvo zviri kupa kuti munyika mushaye magetsi, pamwe nemafuta edzimotokari.

VaMnangagwa, avo vakasarudzwa semutungamiri wenyika gore rapera, vari kuramba kutambirwa neMDC semutungamiri wenyika kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakatsigira zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission kuti ndivo vakanga vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG