Accessibility links

Breaking News

VaAmos Chibaya Vanosungwa Vachipomerwa Mhosva yeKuzvidza Mapurisa Akarambidza Kuratidzira kweBato Ravo


ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya left and MDC-T Organising Sec Amos Chibaya

Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekutadza kumisa misangano yekuratidzira iyo yakarambidzwa nemapurisa.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, Va Luke Tamborinyoka, vanoti Va Chibaya vazvipira kumapurisa epa Harare Central Police Station apo vanzwa kuti mapurisa eku Gweru anga achivatsvaga.

Semurongi wemisangano yebato, VaChibaya ndivo vanga vari pamberi pekuronga kuratidzira kwebato ravo mumaguta mashanu anoti Harare, Bulawayo, Gweru, Masvingo neMutare.

VaChibaya vaenda kuHarare Central negweta ravo, Va Obey Shava.

Mapurisa akarambidza kuratidzira kweMDC mumaguta anoti Harare, Bulawayo, Gweru, Masvingo neMutare achishandisa chimwe chikamu chemutemo wePublic Order and Security Act.

Mutemo uyu wakatovandudzwa nematare eNational Assembly neSenate, pakadzikwa bhiri remutemo weMaintenance of Peace and Order, uye bhiri iri ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti richiva mutemo unoshanda.

VaChibaya vakasungwa zvakare muna Ndira vachipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti varatidzire zvichitevera kurudziro yakaitwa neZimbabwe Congress of Trade Unions yekuti vanhu vasaende kumabasa kwemazuva matatu vachiratidza kusafara nekukwidzwa kwainge kwaitwa peturu nedhiziri.

Asi vanhu havana kugara mudzimba, izvo zvakaita kuti kuratidzira uku kuite mhirizhonga.

Vanhu vanodarika gumi nevanomwe vakapfurwa vakafa, uye sangano remagweta reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti vanhu makumi matanhatu nevasere vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti, uye vamwe vanhu vanosvika mazana matanhatu vakarapwawo zvichitevera kukuvara kwavakaita mumhirizhonga iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG