Accessibility links

Breaking News

VaGift Konjana Voendesa Zvakabuda Musarudzo yeChegutu West kuConstitutional Court


Gift Konjana MDC

Imwe nhengo yeMDC yakakunda musarudzo yemumiriri weChegutu West asi ikatadza kupinda muparamende mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakanganisa kudoma munhu akanga akundwa saiye akakunda, yakwidza nyaya yayo kudare reConstitutional Court mushure mekukundikana kugadzirisa nyaya iyi mumatare eElectoral Court neSupreme Court.

Zvichetevera kukanganisa kwakaitwa neZEC makore matatu apfuura, nhengo yeMDC, VaGift Konjana, vakapikisa mumatare maviri aya asi vakakundikana kugadzirisa zvainge zvakanganiswa neZEC iyo yakadoma VaDexter Nduna veZanu PF semunhu akakunda asi ivo vakakundwa naVaKonjana.

Rimwe remagweta aVaKonjana, VaMoses Nkomo, vanoti havasi kugutsikana nemitongo iyi izvo zvapa kuti vaende kuConstitutional Court.

Vatongi veConstitional Court, Justice Ben Hlatshwayo, Justice Paddington Garwe naJustice Marry Gowora vaudza magweta aVaKonjana neaVaNduna kuti vature zvikonzero kudare zviri kuita kuti vapokane panyaya iyi vozoizeya nemusi weChipiri svondo rinouya.

Nyanzvi munyaya dzemitemo yesarudzo vachishanda nesangano reZimbabwe Elections Resource Center, VaTakunda Tsunga, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi ingadai yakagadziriswa kare dai ZEC yakaita basa rayo nemazvo.

Vati zvinege zvabuda musarudzo zvinofanira kuremekedzwa vachiti kana nyaya yaVaKonjana ikasagadziriswa zvinogona kuramba zvichiitika musarudzo dzinotevera.

Vanoongorora nyaya dzematongerwe enyika vakazvimirira, Dr Wellington Gadzikwa, vaudza Studio7 nyaya yaVaKonjana inoita kuti vana veZimbabwe vashaye chivimbo nematare edzimhosva pamwe nemafambisirwo anoitwa sarudzo munyika.

VaKonjana vaudza Studio 7 kuti havasi kuzozorora kudzamara vakunda panyaya yavo.

Mukuru weZEC, VaUtoile Silaigwana, vaudza Studio7 kuti havana zvavangataura pamusoro penyaya iyi sezvo nyaya iyi iri mumatare pakati pevaviri vari kupikisana.

Asi ZEC pachayo yakabvuma zviriu pamutemo kuti ndiyo yakakanganisa kudoma zita raVaNduna kuti ndivo vakanga vakunda, sezvo sarudzo yemumiriri weChegutu West yainge yakundwa naVaKonjana.

Izvi hazvina kutambirwa zviri pamutemo zvichinzi zvose zvinenge zvakanganiswa neZEC zvinobuda mushure mekunge yambozivisa zviri pamutemo munhu anenge akaunda, zvichifanirwa kugadziriswa nedare reElectoral Court.

Pava nemakore matatu VaKonjana vachiedza kugadzirisa nyaya iyi mumatare.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaNduna sezvo magweta avo anga asati asvitsa magwaro avo ekupikisa zviri kudiwa naVaKonjana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG