Accessibility links

Breaking News

VaBiti, Amai Karenyi Kore, VaChinoputsa neVamwe Vasungwa


Hon Tendai Biti
Hon Tendai Biti

Mapurisa asunga nhengo dzakati wandeyi dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa apo dzanga dzichiedza kuda kupinda pamuzinda webato iri muHarare uyo uri paMorgan Tsvangirai House.

Izvi zvaitika zvichitevera kutorwa kwakaitwa muzinda uyu nechikwata cheMDC chinotungmirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Muzvare Khupe ndivo vakanzi nedare reSupreme Court ndivo vanofanirwa kufanobata matomu zvichitevera kushaya kwaVaMorgan Tsvangirai makore maviri apfuura.

Vasungwa nemapurisa vanosanganisira vatevedzeri vaviri vaVaChamisa, VaTendai Biti naAmai Lynett Karenyi Kore, pamwe naVaDavid Chimhini, VaLovemore Chinoputsa, Muzvare Gladys Hlatywayo nevamwe.

Vasungwa ava vanonzi vanga vachida kupinda pamuzinda webato ravo, apo paswera pakakomberedzwa nemapurisa ane zvombo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa kuti vanhu vangani vasungwa, uye kuti vari pomerwa mhosva dzakaita seyi sezvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutauriri weMDC yaVaChamisa, Muzvare Fadzai Mahere, vati vashamiswa zvikuru nekusungwa kwaitwa vamwe vavo.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muMDC zvichitevera mutongo weSupreme Court gore rino uyo wakati makongiresi akaitwa naVaChamisa naMuzvare Khupe akaitwa zviri kunze kwebumbiro remitemo yebato iri, nokudaro panofanirwa kuitwa kongiresi panguva iyi Muzvare Khupe vari munhu anofanobata matomu.

Zvichitevera mutongo uyu, Muzvare Khupe vakadzinga nhengo ina muparamende nemuseneti vachiti vanhu ava vakanga vasisiri kumirira zvido zvebato ravo.

Vakadzingwa muparamende ndiMuzvare Thabitha Khumalo, VaProsper Mutseyami, Amai Lilian Timveous naVaCharlton Hwende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG