Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaNelson Chamisa Yotanga Sarudzo dzemaPrimary


VaChamisa, Vacube naVaBiti
VaChamisa, Vacube naVaBiti

Bato reMDC T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti rakapedza kuongorora magwaro enhengo dzaro dzinoda kukwikwidza musarudzo uye pasara matanho maviri achatorwa nenhengo idzi dzisati dzadomwa kuti dzichimirira bato iri musarudzo.

Sachigaro vebato iri VaMorgan Komichi vati pane vanhu vaviri kana kudarika vanoda kumirira bato munzvimbo imwe chete, bato rinotarisira kuti vanhu ava vataurirane kuti pasare mumwe chete.

Vati kana kutaurirana kwatadza ndipo panozoitwa sarudzo dzemaprimary. VaKomichi vati vanotarisira kuti zvese izvi zvinenge zvapera mukati memasvondo maviri ari kutevera.

VaKomichi vati kunze kwekuve nhengo dzeMDC-T vanhu vachavhota musarudzo dzavo dzemaprimary vanofanira kunge vataridza chido chekuvhota musarudzo dzeZimbabwe Electoral Commission nekuburitsa Voter Registration Slip.

VaKomichi vatiwo zvinofadza chose kuti pane vanhu vanodarika mazana mashanu vanoda kumirira bato iri musarudzo dzeparamende nezviuru zviviri vanoda kumira musarudzo dzemakanzuru.

VaKomichi vazivisa kuti vacharemekedza chibvumirano chavakaita nemamwe mapato ari muMDC Alliance uye ivo vachadoma vanhu zana negumi nevana vachamirira bato musarudzo dzeparamende.

Vatiwo bato ravo rinoda kuti mutemo wesarudzo nekutapwa kwenhau uvandudzwe vachiti bato ravo rinodawo kuona pachange pachidhindwa magwaro ekuvhotesa kana kuti maballot papers.

Vaenderera mberi vachitiwo vanodawo kuti mashandiro emakambani enhau ane chekuita nehurumende avandudzwe kuti ape mapato ese mukana wakaenzana.

Mukuru wesangano rePlatform For Youth Development, VaClaris Madhuku vati semaonero avo nyaya yekuti vanoda kukwikwidza vataurirane inogona kuzokonzera mutauro mangwana.

Vanongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute Doctor Bekezela Gumbo vatiwo nyaya yesarudzo dzemaprimary ndiyo chete inoita kuti vanomirira bato vasarudzwe pajekerere.

Vamwe vanonzi vataurirane kana kuti vachaenda kumaprimary ndimuzvare Jessie Majome nemuzvare Joana Mamombe kuHarare West, VaJames Maridadi naVaJames Chidhakwa kuMabvuku-Tafara, mwana wevaimbove mutungamiriri webato iri, VaMorgan Tsvangirai , Vimbai Java Tsvangirai na Simbiso Dhemba vachakwikwidzana kuGlen View South.

Mamwe mapato ari muMDC Alliance akazivisa kuti achivisa vanhu vachaamiririra musarudzo svondo rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG