Accessibility links

Breaking News

MDC Yoodzwa Moyo neZanu-PF paNhaurirano


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti harisi kufara nekunonoka kutanga kwenhaurirano idzo dziri kukonzera mutauro muhurumende yemubatanidzwa.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu-PF vanoti vari kumiririra bato iri munhaurirano vari kuda kuti nhaurirano idzi dzitange kana mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vadzoka kuzororo mukupera kwemwedzi kana kuti vasarirwa nemazuva mashoma kuti vadzoke.

Zvinonzi vari kumiririra Zanu-PF ava vari kuda kuti VaMugabe vapedzese vega nyaya dzasara kana vadzoka, kwete kuti vatenderane zvinhu neMDC zvinozovapinza munataisireva nevamwe mubato vasiri kufara nenhaurirano.

Vakaoma musoro muZanu-PF vakazivisa paCongress yebato iri muna Zvita kuti hapana zvitsva zvichatenderanwa neMDC kusvika zvirango zvabviswa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevari kumirira Zanu-PF munhaurirano idzi. Zvasara zviri kunetsa muhurumende zvinosanganisira nyaya yekugadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, nyaya yemuchuchusi mukuru wehurumende, gakava pakugadzwa kwakaitwa VaGideon Gono sagavhuna webhanga guru renyika, uye kuramba kwaVaMugabe kugadza VaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti SADC nevanhu vemuZimbabwe vave kuorawo moyo nekudya manonoko kuri kuitwa neZanu-PF.

XS
SM
MD
LG