Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaTsvangirai Yovava paNyaya yeNhaurirano


Asi hurukuro dzinonzi dziinogona kutadza kuitwa neMugovera sezvo paine mumwe musangano wedare remakurukota.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti nhaurirano pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa dzinofanira kupedzwa pakupera kwesvondo rino.

MDC inoti hazvina musoro wese kuti pasi rose rirambe rakatarisa Zimbabwe iyo iri kutadza kugadzirisa zviri kunetsa munyika. Bato iri rinoda kuti nyaya dzakaita sekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wenyika, dzigadziriswe.

MDC iri kudawo kuti magavhuna ayo agadzwe mumatunhu ose akakunda bato iri musarudzo dzegore rapera. Imwe nyaya iri kurwadza MDC inyaya yaVaMugabe avo vari kuramba kugadza mubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Asi nhaurirano pakati peZanu-PF nezvikwata zviviri zveMDC dzange dzichitarisira kutanga neMugovera, dzinonzi dzave kumbosendekwa parutivi, dzozoitwa munguva inotevera.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaTendai Biti, vanoti neMugovera kune musangano wekomiti yemakurukota ehurumende yakaumbwa kuti igadzirise hukama hweZimbabwe nesangano reEuropean Union, pamwe nedzimwe nyika dzakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo zvirango.

Musangano uyu uri kuitirwa muHarare uye unotarisirwa kupera Mugovera wakare.

Ukuwo SADC Troika yakasangana muMaputo kuMozambique neChishanu ikakurukura zviri kuitika muZimbabwe.

Musangano uyu wakakurudzira zvose zvakatenderanwa kare kuti zviitwe, kwete kuda kumirira kuti zvose zvasara zvitange zvagadziriswa. VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti SADC yave kuneta nekunonoka kwenhaurirano.

XS
SM
MD
LG