Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti rakatambira zvinyunyuto zvakawanda zvine chekuita nesarudzo yarakakundwa neZanu PF kuCowdry park muguta reBulawayo mukupera kwesvondo, uye richatora matanho kugadzirisa mhosho dzakakonzera kuti rikundwe.
Mutauriri webato iri vaJacob Mafume vanoti chikuru chakasimudzwa muzvinyunyuto izvi kukundwa kwebato ravo mudunhu ragara richihwinhwa sarudzo neMDC, izvo vanoti vatsigiri vavo vakawanda vanoti zvinhu zvisingafanirwe kudzokororwa.
Asi VaMafume vanoti pane zvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kukundikana kwebato ravo kutsvaga rutsigiro kudunhu iri nekuda kwesungwa pamwe nekushungurudzwa kwaiitwa nhengo dzavo nemapurisa.
Vanoti zvimwe zvakaita kuti vasabudirire kutengwa kwemavhoti kuburikidza nekupiwa kwechikafu kuvanhu, pamwewo nenyaya yekuti vakawanda havana han’ya nekunovhota kusarudzo dze by-election nepfungwa yekungoti mapato anopikisa anokundwa neZanu PF.
Bato reMDC rakawanikwa riine vanhu vaviri vaikwikwidza, izvo zvakawedzera kukundwa kwaro nevaimirira Zanu PF, VaKidwell Mujuru.
Facebook Forum