Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Kongiresi Yavo Iri Kuenderera Mberi Kunyangwe Dare Rati VaChamisa Vakasarudzwa Zvisiri paMutemo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Dare repamusoro reHigh court nhasi rapa mutongo wekuti mutungamiriri weMDC, VaNelson Chamisa vakagadzwa zvisiri pamutemo uye bato iri rinofanirwa kuita musangano wechimbi-chimbi kana kuti Extraordinary Congress mushure memwedzi kuti utsvage mumwe mutungamiri.

Mutongi wedare repamusoro Amai Edith Mushore vatura mutongo uyu mushure mekunge imwe nhengo yebato iri kuGokwe VaElias Mashavira vaenda kumatare vachipokona nekutora masimba kwainge kwaitwa VaChamisa.

Amai Mushore vatiwo vese vakapihwa zvigaro mushure mehutungamiriri hwaVaChamisa vadzokere pavange vari kusvika musangano wechimbi-chimbi waitwa.

Asi bato reMDC rinoti harisi kuwirirana nezvabuda mudare izvi uye magweta avo ari mushishi kuongorora kuti vangatora matanho api. Vachitaura nevatori venhau mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vatiwo vari kuzoenderera mberi nemusangano wavo weCongress uri kutarisirwa kutanga musi wa24 kusvika 26 Chivabvu.

Vachinyorawo padandemutande ravo reTwitter VaDavid Coltart vanova nhengo yeMDC vati mutemo uyu unonetsa kuutevedzera uye bato ravo richaenda kudare repamusoro reSupreme Court.

Muzvinafundo Lovemore Madhuku nyanzvi munyaya dzezvemitemo vachitungamirawo bato reNCA uye vachimbomirira vaikwikwidzana navaChamisa pachigaro ichi Muzvare Thokozane Khupe vati MDC inokwanisa kukwira kudare repamusoro asi ichiremekedza zvaturwa nedare.

Boka rinoti rinomirira zvaive zvido zvamushakabvu VaMorgan Tsvangirai rinozviti “Defending Morgan Tsvangirai Legacy” rati rinotambira mutongo uyu.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau mushure mekuturwa kwemutongo uyu mutauriri weDMTL VaWebber Chinyadza vati chinangwa chavo ndechekudzorera MDC kuhutongi hwejekerere.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika VaWellington Gadzikwa vati havasi kumbowona shumo yemutongo wapiwa nhasi. Vati mutongo uyu wakanonoka asi dai wakaitwa nyaya ichiri kupisa,

Studio 7 haina kukwanisa kukurukura negweta raVaElias Mushavira, VaAshel Mutungura avo vanga vavimbisa kutaura nesu sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Vamwe vevachabatwa batwa nemutongo uyu uye vanzi nedare hafavanirwi kuva vari pazvigaro vanosanganisira VaMafume, vatevedzeri vemutungamiriri VaMorgan Komichi, VaElias Mudzuri , VaWelsham Ncube nevamwewo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG