Accessibility links

Breaking News

MDC Youmba Chikwata Chichaferefeta Huori Mumakanzuru


Chamisa, Ncube naVaBiti

Bato guru rinopikisa munyika, reMDC inotungamirwa naAdvocate Nelson Chamisa raumba chikwata chichange chichiongorora nekugadzirisa nyaya dzehuwori mumakanzuru munyika yose, pamwe nekuvandudza mabasa evatevedzeri vatatu vaVaChamisa.

Mutauriri waVaChamisa, Dr Nkululeko Sibanda, vaudza vatori venhau kuti chikwata ichi chichange chichitungamirwa negweta rine mukurumbira munyika, Advocate Thabani Mpofu, uye chaumbwa nekuti VaChamisa havadi nyaya dzehuwori.

Vati VaChamisa vanogaronzwa kuti kune huwori huri kuitika mumakanzuru nekudaro vanoda kugadzirisa dambudziko iri.

MDC ndiyo inotungamira makanzuru akawanda munyika yose uye VaSibanda vati dzimwe nguva vanonzwa kuti makanzura ebato iri anokanganisa basa mushure mekuudzwa zvekuita nemakurukota ehurumende ayo anobva kuZanu PF.

VaSibanda vati chikwata ichi chichange chichishanda nevagari mumakanzuru ose ari munyikauye VaChamaisa vachatambira nekuita zvinenge zvabva kuchikwata ichi.

Mukuru wesangano reChitungwiza and Manyame Residents Association, VaMarvelous Khumalo, varumbidza danho ratorwa neMDC vachiti zakakosha kurwisa huwori mumatunhu anoshanda ari pasi pemakanzuru.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumanzu, vaudza Studio7 kuti hapana zvitsva pane zvaitwa neMDC vachiti yave kutevedzera donzvo remutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekurwisa huwori.

Vati MDC yatora dzanho iri nekuti inoziva kuti mumakanzuru mazhinji ainotonga, mune huwori hunotyisa.

Asi vati zvakanaka kuti bato iri rave kugadzirisa huwori uhwu.

VaSibanda vati vachazivisa dzimwe nhengo dzechikwata ichi munguva pfupi inotevera uye chinotarisirwa kutanga basa mukati memasvondo maviri anotevera.

Zvichakadai, VaSibanda vazivisa kuti VaChamisa vapa mamwe mabasa kuvatevedzeri vavo vatatu uye izvi zvakanangana nekusimbaradza bato nezvirongwa zvaro.

Amai Lynette Karenyi Kore ndivo vachange vachiona nezveparamende pamwe nekuumbwa kwebato.

Muzvinafundo Welshman Ncube vachange vachiona nezvemabasa ebato pamwe nekudyidzana nedzimwe nyika, kozotiwo VaTendai Biti ndivo vachange vachiona nezvegwara rebato pamwe nezvekutongwa kwematunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG