Accessibility links

Breaking News

MDC Yomanikidza Makanzura Ayo Kusaina Mafomu Anotsigira VaChamisa?


Zimbabwe Opposition Gathering

Makanzuru akawanda munyika ari pasi pebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa anonzi ari kusainisa makanzura awo mafomu anoratidza kuti makanzura aya anotsigira VaChamisa nemoyo wese.

Kunyange hazvo mutevedzeri wemunyori anoona nezvekutongwa kwematunhu, VaClifford Hlatswayo, vati havana ruzivo nezviri kuitika, vane ruzivo nezviri kuitika mubato vanoti izvi zviri kuitirwa kuti makanzura aya arambe achitsigira VaChamisa pamwe nekuita zvavanenge vataura.

Izvi zviri kuitikawo panguva iyo paine runyerekupe rwekuti chikwata cheMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozanu Khupe, chinogona kudzinga makanzura aya sezvakaitwa nhengo ina dzeparamende.

Vanhu vataura neStudio7 vanoti kusainiswa mafomu aya kwakaitwa mumaguta anoti Harare, Masvingo, Mutare neChinhoyi, uye makanzura ekuKadoma asainiswa mafomu aya neChipiri achiratidza kuti achamira naVaChamisa nguva dzose.

Makanzura gumi nemaviri emuChinhoyi, achitungamirwa nameya weguta,
VaDyke Makumbi, akasaina mapepa aya nemusi weMuvhuro.

Vachitaura pakusaina mafomu aya, VaMakumbi vakati vatora danho rekutsigira VaChamisa nekuda kwekuti havasi kufara nezviri
kuitika mubato ravo.

Vakati vanoda kuti makanzura abude pachena kuti anotsigira VaChamisa, kunyange vakadzingwa mukanzuru sezvakaitwa nhengo ina dzeparamende.

VaMakumbi vaudza Studio7 kuti magwaro ari kusainwa nemakanzura akabva kuhofisi yaVaHlatswayo.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weMDC, VaDaniel Molokele, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Asi VaHlatswayo vati havana ruzivo nezvemafomu aya.

Asi vati nhengo dzebato ravo hadzirambidzwe kuratidza mutungamiri wadzinoda nenzira yadzinoda kuita izvi.

Makanzura gumi nemumwe chete ekuKadoma asainawo maafidhavhiti
achipika kuti anotsigira VaChamisa.

Patabvunza meya weKadoma, VaAction Nyamukondiwa, kuti zvavari kuita
izvi hakusi kutyisidzira makanzura here, vati kanzura asingade anorega kusaina.

Makanzura ekuKaroi mana asainawo maafidhavhiti aya.

Vari kuzviti ndivo vadzokera pachigaro chemunyori mukuru webato zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court, VaDouglas Mwonzora, vati zviri kuitwa izvi inzira yekutyisidzira vanhu.

Mune imwewo nyaya, muChinhoyi mave nemunhu mumwe chete ane
chirwere cheCovid-19.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Wensilus
Nyamayaro, vabvuma kuti munhu mumwe chete akawanikwa ayine chirwere
cheCovid-19 muChinhoyi uye mumwe munhu akawanikwawo aine chirwere ichi kuPickstone Mine pedyo neChegutu.

Bazi rezvehutano rinoti vaviri ava havana nhoroondo yekufamba kunze kwenyika kana kusangana nemunhu akabva kunze wenyika.

Kusvika pari zvino vanhu vashanu vakabatwa nechirwere cheCovid-19
mudunhu reMashonaland West, munhu mumwe chete akafa kuMhondoro mwedzi wapera.

Munyika mava nevanhu makumi matatu nevanomwe vabatswa neCovid-19, uye vanhu vana vafa nechirwere ichi.

Mudunhu reMashonaland West mave nenzvimbo nhatu dzinoti Chinhoyi
Training Centre, Vhuti School neJameson School kuKadoma pari
kuchengeterwa vanhu vari kubva kune dzimwe nyika kwemasvondo maviri kuitira kuti vaongororwe kuti havana chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete vasati vabvumidzwa kuenda kudzimba dzavo.

PaChinhoyi Training Center pane vanhu vapfumbamwe, paVhuti pave
nevanhu makumi maviri nevashanu, kubva pavanhu gumi svondo rapera, uye paJameson pane vanhu gumi nevaviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG