Accessibility links

Breaking News

MDC-T neMDC Alliance Dzoramba Dzichitatsurana


Douglas Mwonzora, secretary general for the Movement for Democratic Change Alliance, says his party has gathered enough material to confirm that President Emmerson Mnangagwa has actually not won the July 30 general election and that his announced victory

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato rakadzinga munhu muparamende ndiro rine masimba ekudoma munhu anotsiva akadzingwa wacho pakatariswa mitemo yeProportional Representation pamwe nemadomerwo enhengo dzedare reSenate.

Douglas Mwonzora, the Movement for Democratic Change - T Secretary General
Douglas Mwonzora, the Movement for Democratic Change - T Secretary General

Mashoko aVaMwonzora anotevera mashoko emunyori mukuru weMDC Alliance, VaChalton Hwende, avo vazivisa Studio7 kuti bato ravo raunganidza magwaro enyunyuto, ayo akasainwa nevanhu vanodarika mazana matatu ezviuru, vachiratidza kusafara kwavo nekudomwa kwemazita evanhu vachatora zvigaro zvemu National Assembly pamwe nemudare reSenate, kwakaitwa neMDC-T.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance mumatare aya, neMDC-T.

VaMwonzora vanoti pamutemo MDC Alliance harisi bato asi kuti mubatanidzwa wemapato manomwe akasainirana chibvumirano chekukwikwidza pamwe chete, asi mapato aya achiramba akazvimirira.

Asi VaHwende, avo vanove mumwe wenhengo dzeMDC Alliance dzakatanga kudzingwa mudare neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, vanoti zviri pachena kuti vanhu vakaburitsa zvido zvavo nekusaina magwaro enyunyuto dzavo ayo vakaendesa kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission munyika yose.

Charlton Hwende
Charlton Hwende

VaHwende vanoti hazviite kuti vanhu vamirirwe nemunhu akakundwa musarudzo sezviri kuda kuitwa neMDC-T.

Asi VaMwonzora vanoti mutemo uri pachena pakuti nderipi bato rine vanhu vari muparamende, nokudaro zviri kuitwa nevamwe vavo ava hakuna kwazvinosvika.

VaMwonzora vatiwo bvato ravo rakaita musangano neChishanu wekuzeya zvakabuda musarudzo yameya weHarare. Vati magweta avo ari kuzeya nyaya iyi sezvo paine chibvumirano cheMDC Alliance chekuti bato rePeople's Democratic Party rine chinzvimbo chemutevedzeri wameya, kwete kuti munhu akabva kubato iri aitwe meya sekusarudzwa kwakaitwa VaMafume.

VaMafume vakabva kuPeople's Democratic Party vachipinda muchibvumirano cheMDC Alliance.

Asi VaMwonzora vabvuma kuti havakwanisi kudzinga VaMafume sameya sezvo vasiri nhengo yakabva kuMDC-T ichipinda muchibvumirano cheMDC Alliance icho chakaumbwa mutungamiri wekutanga weMDC, VaMorgan Richard Tsvangirai, vasati vashaya.

Asi vati magweta avo ari kuzeya nyaya iyi vakatarisa zvinoreva chibvumirano cheMDC Alliance vozotora matanho anokodzera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMafume panyaya iyi.

Asi muhurukuro yavakaita neStudio7 nemusi weChishanu, VaMafume vakati kusarudzwa kwavakaitwa kuva meya mecherechedzo mukuru wekuti nderipi bato rine vanhu pakati peMDC Alliance inotungamirwa naVaNeslon Chamisa, neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG